Romans 7

Kusununguka pamurairo

1Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu? 2Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume. 3Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume. 4Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. 5Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu. 6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro. 7Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva. 8Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa. 9Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa; 10uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu; 11nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo. 12Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka. 13Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo. 14Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi. 15Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita. 16Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka. 17Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri. 18Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani. 19Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita. 20Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri. 21Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri. 22Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati; 23asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu. 24Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu? 25Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.

Copyright information for Shona